Numbers 26

Kuverengwa kwechipiri

1Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista, 2“Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.” 3Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati, 4“Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.”

Ava ndivo vaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti:

5Zvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri zvaiva:
Hanoki, kwakabva mhuri yaHanoki;
Paru, kwakabva mhuri yaParu;
6Hezironi, kwakabva mhuri yaHezironi;
Kami, kwakabva mhuri yaKami.
7Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaRubheni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvitatu, namazana manomwe ana makumi matatu.
8Mwanakomana waParu akanga ari Eriabhi, 9uye vanakomana vaEriabhi vakanga vari Nemueri, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu ndivo vatungamiri veungano vaya vakamukira Mozisi naAroni uye vakanga vari pakati pavateveri vaKora pavakamukira Jehovha. 10Nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza pamwe chete naKora, boka iroro parakafa, moto pawakaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu. Uye ivo vakava chiratidzo cheyambiro. 11Kunyange zvakadaro, rudzi rwaKora haruna kuparara.

12Zvizvarwa zvaSimeoni nemhuri dzavo zvaiva:
Nemueri kwakabva mhuri yavaNemueri;
Jamini, kwakabva mhuri yavaJamini;
Jakini, kwakabva mhuri yavaJakini;
13Zera, kwakabva mhuri yavaZera;
Shauri kwakabva mhuri yavaShauri.
14Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaSimeoni; pakanga pane varume zviuru makumi maviri nezviviri namazana maviri.

15Zvizvarwa zvaGadhi nemhuri dzavo zvaiva:
Zofani, kwakabva mhuri yavaZofani;
Hagi, kwakabva mhuri yavaHagi;
Shumi, kwakabva mhuri yavaShumi;
16Ozini, kwakabva mhuri yavaOzini;
Eri, kwakabva mhuri yavaEri;
17Arodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi;
Areri kwakabva mhuri yavaAreri.
18Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaGadhi; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana, namazana mashanu.

19Eri naOnani vakanga vari vanakomana vaJudha, asi vakafira muKenani.
20Zvizvarwa zvaJudha nemhuri dzavo zvaiva:
Shera, kwakabva mhuri yavaSherani;
Perezi, kwakabva mhuri yavaPerezi;
Zera, kwakabva mhuri yavaZera;
21Zvizvarwa zvaPerezi zvaiva:
Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi;
Hamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri.
22Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu.

23Zvizvarwa zvaIsakari nemhuri dzavo zvaiva:
Tora, kwakabva mhuri yavaTora;
Pua kwakabva mhuri yavaPua;
24Jashubhi kwakabva mhuri yavaJashubhi;
Shimironi kwakabva mhuri yavaShimironi.
25Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaIsakari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana matatu.

26Zvizvarwa zvaZebhuruni nemhuri dzavo zvaiva:
Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi;
Eroni, kwakabva mhuri yavaEroni;
Jareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri.
27Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu, namazana mashanu.

28Zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo kubudikidza naManase naEfuremu zvakanga zvakadai:
29Zvizvarwa zvaManase:
Makiri kwakabva mhuri yavaMakiri (Makiri akanga ari baba vaGireadhi);
Gireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi.
30Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaGireadhi:
Iezeri, kwakabva mhuri yaIezeri;
Hereki, kwakabva mhuri yavaHereki;
31Asirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri;
Shekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;
32Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha;
Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.
33(Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.)
34Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaManase; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezviviri, namazana manomwe.
35Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEfuremu nemhuri dzavo:
Shutera, kwakabva mhuri yaShutera;
Bhekeri, kwakabva mhuri yaBhekeri;
Tahani, kwakabva mhuri yaTahani.
36Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaShutera:
Erani, kwakabva mhuri yaErani.
37Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu.
Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo.

38Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva:
Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera;
Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri;
Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu;
39Shufami, kwakabva mhuri yavaShufami;
Hufami, kwakabva mhuri yavaHufami.
40Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva:
Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi;
Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani.
41Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu.

42Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo:
Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami.
Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani:
43Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana.

44Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva:
Imina, kwakabva mhuri yavaImina;
Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi;
Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria;
45uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria:
Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri;
Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri.
46Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera.
47Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

48Zvizvarwa zvaNafutari nemhuri dzavo zvaiva:
Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeeri;
Guni, kwakabva mhuri yavaGuni;
49Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri;
Shiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi.
50Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaNafutari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana mana.

51Uwandu hwavarume veIsraeri hwaisvika zviuru mazana matanhatu nechimwe, namazana manomwe ana makumi matatu.

52Jehovha akati kuna Mozisi, 53“Nyika inofanira kugoverwa kwavari senhaka zvichienderana namazita akaverengwa. 54Kuna vaya vanenge vakawanda, unofanira kuvapa nhaka huru, vashoma unovapa nhaka duku; mhuri imwe neimwe inofanira kupiwa zvakaenzana nouwandu hwokuverengwa kwavo. 55Unofanira kuona kuti nyika yagoverwa nemijenya. Nhaka ichagoverwa mhuri imwe neimwe ichange iri maererano namazita orudzi rwamadzitateguru avo. 56Nhaka imwe neimwe inofanira kugoverwa nemijenya pakati pemhuri huru nemhuri duku.”

57Ava ndivo vaRevhi vakaverengwa nemhuri dzavo:
Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni;
Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati;
Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.
58Ava ndivo vakanga vari mhuri dzaRevhi:
mhuri yavaRibhini,
mhuri yavaHebhuroni,
mhuri yavaMari,
mhuri yavaMushi,
mhuri yavaKora.
(Kohati akanga ari baba vaAmurami;
59zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu. 60Aroni ndiye akanga ari baba vaNadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari. 61Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakaita chipiriso nomoto usina kufanira pamberi paJehovha.)

62Varume vose pakati pavaRevhi, vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa vaisvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavo.

63Ava ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari muprista pavakaverenga vaIsraeri pamapani eMoabhu paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko. 64Hapana kana mumwe wavo akanga ari pakati pavaya vakaverengwa naMozisi naAroni muprista, pavakaverenga vaIsraeri murenje reSinai. 65Nokuti Jehovha akanga audza vaIsraeri avo kuti zvirokwazvo vaizofira murenje, uye hakuna kana mumwe wavo akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.

Copyright information for SnaBDSC